Home African Music Mambo Dhuterere – Zvinonyadzisa

Mambo Dhuterere – Zvinonyadzisa

Zvinonyadzisa by Mambo Dhuterere MP3 MUSIC VIDEO

Zvinonyadzisa LYRCIS by Mambo Dhuterere:
Shuwa here wafuratira, Vana!
Vanodanwa nemutupo wako kana
Riri shavi chimbonyengetera

Vana kusuwa nyama kuseva neishwa
Asi muriko kubhawa murishoroma kugocha bhuru rese
Izwawo moyo kudzimba uri munhu wani
Mkadzi wawasiira pwere wamupa mutoro sepa calvary

Pwere dzosaro gwesha mujinga maAmai
Yodziriritira nhiyo sheshe iriyoga jongwe raendaa
Urikuzvigokera moto mumboni yeZiso
Ndicho chinhu chinodzimba
Ngoni misodzi ye pwere ikachururuka

Rega kuzvi gokera moto mumboni yeZiso
Ndichochinhu chinodzimba
Ngoni mai vadzo pwere vaka gunun’una
Shamhu yaucharohwa nayo adzika Mikairi
Ine minzwa inodzura nyama usazoti vanegodo vandiroya

Iiiii vavandudzeiwo jaire
Vanhukadzi vakasiirwa pweere jaire
Nyangwe pavanobuda kuno reedza jaire
Ngavabate gwaaya pwere dzirarame
Asi kune varume vanoredzera kurera pfambi

Ngava bate nyoka nyamafingu igovakobora
Yuhwi mandinyadzisa mfunge Gurundoro
Shuwa murume mkuru kutiza vana kuteera ponzii
Saka kana pakadaidzwa varume munodaira here
Gurundoro musadaire varume ndivo
Vaya vanoriritira mhuri

Vaari kukanga nyama vana Jezebero
Munhenga munodonhe kupfambi asi pwere
Kumba dzichidya chidokohori
Kura muchinda rume hombarume pepukaa
Kupfambi hakuna mapfihwa ikapera
Pfuma unodzingwa sembwa

Nzira yowofamba variko vazhinji vakamboifa
Asi hakuna akakudzoka hanzi mberi
Kune bhinya rinodzura moyo
Ukangodziringa tsapfu watovhiringika
Wavakutenge chimbwa mpengo
Kutosiya yese nyangwe neye rent

Gonya zingizi maruva haapere ayaa
Chingotemha rimwe uise manyowa woridiridziraa
Gonya zingizi maruva haapere aya
Rinobhuruma rawakasarudza ukaridiridzira
Worega kuisa mhuno yako mubindu revamwe
Ukadaro unozonzwa kunge rako risiri kunhuwira

Rega kupomba unodzima mwenje
Unozarura misuwo yekuti ma mhepo akushungurudzee
Ndiinzwe waifanira kuenda mberii
Asi mukupomba mune madhimoni anoba chipoo

Handisi kunyepa kune nyoka huru igere mugungwa
Kana wango pomba inotora mwenje yokanda mudziva
Variko vakadzi vakamirira kunza misha yemanwe Madzima
Varikoo vazere muguta vakapihwa

Simba nenyoka mugungwa, vaone musi we svondo
Unoti ndamuwana magadharina
Ivo ibere rine domba
Rinovhima chero mudanga mako

Ngiirozi dzakavaringa neZiso dzvukuu
Dziine hukasha dzichi zuzuma kunge zindi remago
Shamu yavacharohwa nayo adzika Mikairi
Ine minzwa inodzura nyama vachazoti vane godo vandiroya

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here